Mutungamiri weSouth Africa, uye vari mutongi gava pagakava riri muZimbabwe, VaThabo Mbeki, vanoti vakwanisa kuti mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vawirirane pamaumbirwo avachaita hurumende yemubatanaidzwa.
Vachitaura nevatori venhau muHarare, VaMbeki vati VaTsvangirai, VaMugabe, pamwe nemutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, VaArthur Mutambara, vachanyorerana chibvumirano neMuvhuro, chibvumirano ichi chisati chaburitswa kune veruzhinji. Vatiwo vatungamiri vedzimwe nyika vachange vari muZimbabwe kuzoona vakuru ava vachinyorerana chibvumirano ichi.
Vachibuda muhotera yanga ichiitirwa nhaurirano, VaTsvangirai vati ichokwadi kuti vawirirana naVaMugabe kuumba hurumende yemubatanidzwa. Asi VaTsvangirai havana kuda kutaura zvakawanda vachiti zvizhinji zvichataurwa naVaMbeki.
Panga paine makakatanwa pakati paVaTsvangirai naVaMugabe pamusoro penyaya yemasimba ekutonga nyika. VaMugabe vanga vachiti vanoda kuramba vari mutungamiri wenyika ane masimba, uye vari sachigaro wedare remakurukota.
Ukuwo VaTsvangirai vanga vachitiwo ndivo vanofanirwa kuva mutungamiri wehurumende ane masimba ekutonga nyika, uye vaine masimba ekugadza pamwe nekudzinga basa makurukota.
Hapana ari kunyatsoziva kuti chibvumirano ichi chakamira seyi, kudzamara zvinhu zvose zvabuda pachena neMuvhuro.
-studio 7

