CIO ngaibviswe, anodaro mamwe masangano
Shona News
February 12, 2008 | By Munyori weMetro | © zimbabwemetro.com ⋅
Email This
| ⋅ Post a comment
Mapato anopikisa uye masangano evanhuwo zvavo anoti bazi reCIO rinofanira kuparadzwa, vatungamiri varo vodzingwa nokusungwa nemhosva dzekuuraya vanhu.
Vachitaura pamusangano we National People’s Convention wakapindwa nemasangano akazvimirira anodarika makumi mashanu muHarare pakupera kwesvondo vezvematongerwe enyika pamwe chete nevanotungamirira masangano akasiyana vakati chinzvimbo chebazi reCIO chinofanira kuparadzwa.
Vaongorori vanoti CIO inofanira kunyatsoita basa rayo rekudzivirira nyika kwete kutsvaga vanhu vanofunga zvakasiyana naMugabe.
Vanotungamirira masangano evanhuwo zvavo vakati bazi iri rinofanira kutoongororwa neParliamentary Portfolio Committee inosanganisira mapato ose zvakare pachirambwa mashandiro anoita bazi iri.
Sachigaro weNational Constitutional Assembly Lovemore Madhuku akati, “CIO inofanira kutarisiswa nekuti inowana mari kubva kumitero inobatirwa vanhu pamari dzavanowana kumabasa. Kune dzimwe nyika, mashandiro emapazi akafanana ne reCIO anonyatsoongororwa. Vangashanda zvakavanzika asi vanenge vakanangana nekudzivirira nyika kubva kuvavengi.”
Kana president Mugabe vakaona kukodzera kwekuvandudza mashandiro ebazi iri zvokuti mumwedzi waGumiguru gore rapfuura vakatotaura nezvazvo paurongwa hwekuvakwa kwechikoro chekudzidzira mabasa ekusora kuMazowe icho chichapiwa zita ravo.
Related Posts
- MDC Yobata Matomu Mudare reParamende
- MDC inotaridza kutungamira
- VaMugabe Voronga Kuumba Hurumende Isina MDC Mukati
- Ndicharamba ndakazvipira – Mbeki
- Mbeki: VaTsvangirai naVaMugabe Vabvumirana Kuumba Hurumende Itsva
- Maitiro eBotswana haandishaise hope – Zvayi
- MDC Inopokana neSADC paNyaya yeDare reMakurukota
- Dynamos yonotsiva