MDC inotaridza kutungamira
Ndebele News
February 20, 2008 | By Munyori weMetro | © zimbabwemetro.com ⋅
Email This
| ⋅ Post a comment
Bato reMDC rinotungamirwa naTsvangirai rinotaridza kutungamira mune dzimwe nharaunda dzakakundikana Zanu PF kuisa vanokwikwidza. KuMashonaland Central MDC iyi yakawana makanzura maviri asina kukwikwidzwa kuMt Darwin nekuShamva, kuMasvingo zvakare vakawana makanzura maviri asina kupikiswa kwaGutu nekuZaka. KuNyanga, vakawana makanzura maviri, muHarare ndokuwana ward 19 uye maward maviri kuMakonde, Mashonaland West.
Bato iri rinoti kutungamira uku kunotaridza kusimba kwaro munharaunda dzese dzenyika kunyanya matunhu akaita seMashonaland uko kwainzi neZanu PF ndekwayo.
Kuvamiriri veParamende pamwe chete nemaseneta, MDC inoti yakaisa vanhu kunzvimbo dzese dzichakwikwidzwa.
“Nerimwe divi Zanu PF yataridza kuvhiringika zvichitevera kunyoresa kwaakaita vanhu vakawanda munzvimbo imwe chete vachiti vakamirira bato iri mumatunhu akawanda enyika,” akadaro mutauriri weMDC.
“Gore ra2008 nderedu rekushandura zvinhu, kusungunuka kwevanhu, dzidzo, utano,mabasa pamwe chete nekuremekedzwa kwevanhu. Kana Zanu PF ichipokana kudai, mashoko akanaka kune avo vanoda zvekushandurwa kwezvinhu. Kukunda ndekwedu,” akapamhidzira mutauriri uyu.
Related Posts
- MDC Yobata Matomu Mudare reParamende
- Zimbabwe Yodadiswa naKirsty Coventry ku2008 Beijing Olympics
- VaMugabe Voronga Kuumba Hurumende Isina MDC Mukati
- Mbeki: VaTsvangirai naVaMugabe Vabvumirana Kuumba Hurumende Itsva
- CIO ngaibviswe, anodaro mamwe masangano
- Dynamos yonotsiva
- VaMbeki Vodzokazve Munyika Kuzomutsiridza Nhaurirano
- Jongwe’s mother points finger at ZANU PF for son’s death