Socialize

FacebookTwitterRSSMySpacePicasaFlickrLastFMLinkedInYoutubeVimeoDeliciousStumble UponDeviantartDiggFourSquare

Subscribe by Email

MDC Inoramba Kuti Iri Kuda Kubvisa VaMugabe neChisimba

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai yaramba neMuvhuro mashoko ehurumende, iyo iri kuti ine humbowo hwekuti bato iri riri kuda kupidigura hurumende zvisiri pamutemo.
tendaibiti2
Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare, munyori mukuru weMDC, VaTendai Biti, vati bato ravo rinoshora zvikuru manyepo egurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, avo vakaudza bepanhau reHerald kuti MDC iri kudzidzisa vechidiki vayo mabasa ehugandanga.

VaChinamasa vanoti nyaya iyi yava mumaoko eSADC Troika.

Botswana inoti zviri kutaurwa neZimbabwe manyepo ari pachena, uye zvinoratidza kuti hurumende yaVaMugabe, yapererwa, uye yave kutsvaga huta nemugate.

Ukuwo VaBiti vanoti hurumende yakarwadzisa vatsigiri vebato ravo vayakapamba kuitira kuti vabvume kuti vari kuita zvehugandanga, ivo vari vanhu vanotevedza mitemo. Vatiwo Zanu PF ndiyo inozivikanwa nemabasa ayo ehumhondi, izvo zvinozivikanwa pasi rose.

Related Posts Plugin for WordPress, Blogger...

Share This Post

Posted by on December 20, 2008. Filed under Local News. You can follow any responses to this entry through the RSS 2.0. Both comments and pings are currently closed.