Metro Search

Musikana webasa

Humour

July 17, 2008 | By Staff | © zimbabwemetro.com Email This Email This | Post a comment

Vamwe mai vaidya marasha vakatanga kupaumba nekuudza musikana webasa meno amire.
Mhosva dzaakapomerwa dzaive zhinji, mwana wevanhu akaona chitsvuku musi iwoyo.

“Iwe tariro!!” vakasheedza musikana we basa mai vaye.

“Mhaa!” akapindura musikana achimhanya kuzopfugama padyo na madam.

Madam vakatanga tunhu twavo,

“Iwe ndiudze, chii chiri kuitika pano, ndikatenga grocery harigari rinoperera mudenga, nyama, Mazoe,chingwa, mukaka, sipo zvirikuenda kupi he?! Tauraka kwete kungonyarara sechituta. Even matoothpick chaiwo ari kupera zvandisingazwisisi….Nhasi uchadura kuti zvese izvi zvirikuenda kupi nokuti kana tumadhende twako angaturongedza ukasiya basa nhasi, taura ka!!”

Musikana paakaona kuti nyaya yakwira mutarara akatanga kupindura,

“Ndine hurombo mhamha, mhosva yandinobvuma ndeye kushandisa sipo yakawanda nekubika nyama zhinji. Mazoe nechingwa bvunzai vana venyu…..” akaenderera mberi mwanasikana
“Kana iri nyaya yematoothpick yamataura iyo ndeyenyu nevana venyu zvekare, nokuti ini ndinoti ndikashandisa handirase ndinodzorera muchigaba chiye….”

Related Posts

Leave Comment