
Mutungamiri weMDC, uye vari mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakati zvinetswa zvose zvasarira muhurumende yemubatanidzwa, zvinenge zvagadziriswa mukati memazuva makumi matatu akatarwa neSADC Troika svondo rapera.
November 10, 2009 | Posted in
Shona News |
Read More »

Mutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai vari kutarisirwa kushanyira America nenyika dzemuEurope kuti vanopemhera hurumende mari yekubatsirikana.
VaGorden Moyo gurukota rinoshanda muhofisi yaVaTsvangirai vaudza Studio 7 kuti mutungamiri wehurumende nemamwe makurukota ehurumende vari kutarisirwa kusimuka mukupera kweMugovera.
Hurumende iri kunetseka zvikuru kuwana mari yekubatsirikana zvapa kuti itadze kupa vashandi vayo mari dzemihoro.
-VOA
Copyright © 2009 Zimbabwe Metro. All [...]

Mumiriri weKweKwe mudare reHouse of Assembly, VaBlessing Chebundo, havana kukwanisa kuti nyaya yavo yekukumbira kupihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso, inzwikwe nedare sezvo muchuchisi wehurumende apikisa chikumbiro ichi achiti nyaya iri kupomerwa VaChebundo ihombe.
Magweta ari kumirira VaChebundo abva ati ava kukwidza nyaya iyi kudare repamusoro, kuitira kuti rizeye nyaya yekuti VaChebundo vopihwa here kana kuti kwete [...]

Mutungamiriri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vazivisa nyika neChina kuti vakawirirana navamwe vavo, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, pazvinhu zvakawanda zvanga zvichinetsa muhurumende yemubatanidzwa.
VaTsvangirai vati nyaya dzakawiriranwa ndedzemagavhuna ematunhu enyika, vamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika, pamwe nenyaya yevanyori vemapazi ehurumende.
VaTsvangirai vatora mukana uyu kudoma mazita evanhu vachagadzwa semagavhuna eMDC mumatunhu mashanu akakunda [...]

Mumiriri weKwekwe mudare reparamende, uye vari nhengo yeMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, VaBlessing Chebundo, vasungwa neChitatu nemapurisa vachipomerwa mhosva yekubata munhu chibharo.
Gweta riri kumirira VaChebundo, VaTapera Sengweni, vaudza vatori venhau kuti VaChebundo vasungwa masikati neChitatu, uye vari kuchengetedzwa vari paKwekwe Police Station.
VaSwengweni vatiwo VaChebundo vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.

Vatungamiri vemapato matatu ezvematongerwo enyika akaumba hurumende yemubatanidzwa, vasangana zvakare muHarare neMuvhuro kuti vaedze kugadzirisa makakatanwa achiri akasarira pachibvumirano chekuumba hurumende yemubatanidzwa, asi zvinonzi hapana chabuda mumusangano uyu.
Zvinonzi VaMugabe naVaTsvangirai ndivo vatanga kusangana, vachizoteverwa nemutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, VaArthur Mutambara.
Nyaya dzinonzi dzichiri kunetsa dzinosanganisira kudomwa kwemagavhuna, vamiriri venyika kune dzimwe nyika, kutoreswa mhiko [...]
April 29, 2009 | Posted in
Shona News |
Read More »

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti pane mabhanga mazhinji emunyika dzemuAfrica pamwe nemuEurope akavimbisa kubatsira Zimbabwe nemari kuitira kuti igadzirise hupfumi hwayo.
VaBiti vataura mashoko aya mushure mekuita musangano nevakuru vakuru vemabhanga pamwe nebhanga guru renyika. Vatiwo hurumende yava kudzosa kushandiswa kwema RTGS nemacheki kuitira kuti vanhu vasafambe nemari dzakawandisa.
Vachitaurawo nevatori venhau muHarare, mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaJames [...]
April 12, 2009 | Posted in
Shona News |
Read More »

Gurukota rinoona nezvekuchengetedzwa kwemukati menyika nesangano revasori re Central Intelligence Organization (CIO), vaDidymus Mutasa, vanoti hapana mapurazi matsva ari kutorwa.
Vati mhirizhonga yave kuitika iri kukonzerwa nevarungu vari kurambira pamapurazi akatorwa kare. Vatiwo havazivi kuti mutungamiri wehurumende, vaMorgan Tsvangirai, avo vari kuti kune vari kutora mapurazi, vari kugara munyika ipi.
Vati vaTsvangirai vanofanira kudoma mazita [...]
April 12, 2009 | Posted in
Shona News |
Read More »

Nyaya yekunetsana muhurumende yemubatanidzwa iri kuenderera mberi sezvo paine vamwe vari kunzi vari kuomesa musoro vachida kuondonga hurumende yemubatanidzwa.
Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti vanhu ava vakatoumba kare chikwata chinonzi Social Revolutionary Council, icho chine nhengo dzakawanda dzange dziri muJoint Operation Command.
Nhengo idzi dzinonzi dzinosanganisira gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, mutungamiri wemauto emuchadenga, VaPerence [...]
April 12, 2009 | Posted in
Shona News |
Read More »

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai yaramba neMuvhuro mashoko ehurumende, iyo iri kuti ine humbowo hwekuti bato iri riri kuda kupidigura hurumende zvisiri pamutemo.
Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare, munyori mukuru weMDC, VaTendai Biti, vati bato ravo rinoshora zvikuru manyepo egurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, avo vakaudza bepanhau reHerald kuti MDC iri kudzidzisa vechidiki vayo mabasa ehugandanga.
VaChinamasa vanoti [...]
December 20, 2008 | Posted in
Shona News |
Read More »