Mapato anopikisa uye masangano evanhuwo zvavo anoti bazi reCIO rinofanira kuparadzwa, vatungamiri varo vodzingwa nokusungwa nemhosva dzekuuraya vanhu.
Vachitaura pamusangano we National People’s Convention wakapindwa nemasangano akazvimirira anodarika makumi mashanu muHarare pakupera kwesvondo vezvematongerwe enyika pamwe chete nevanotungamirira masangano akasiyana vakati chinzvimbo chebazi reCIO chinofanira kuparadzwa.
Vaongorori vanoti CIO inofanira kunyatsoita basa rayo rekudzivirira nyika kwete kutsvaga vanhu vanofunga zvakasiyana naMugabe.
Vanotungamirira masangano evanhuwo zvavo vakati bazi iri rinofanira kutoongororwa neParliamentary Portfolio Committee inosanganisira mapato ose zvakare pachirambwa mashandiro anoita bazi iri.
Sachigaro weNational Constitutional Assembly Lovemore Madhuku akati, “CIO inofanira kutarisiswa nekuti inowana mari kubva kumitero inobatirwa vanhu pamari dzavanowana kumabasa. Kune dzimwe nyika, mashandiro emapazi akafanana ne reCIO anonyatsoongororwa. Vangashanda zvakavanzika asi vanenge vakanangana nekudzivirira nyika kubva kuvavengi.”
Kana president Mugabe vakaona kukodzera kwekuvandudza mashandiro ebazi iri zvokuti mumwedzi waGumiguru gore rapfuura vakatotaura nezvazvo paurongwa hwekuvakwa kwechikoro chekudzidzira mabasa ekusora kuMazowe icho chichapiwa zita ravo.

MuZimbabwe munotoda mamiriro akaita UK ine MI5,uye America ine CIA neFBI mabazi anoshandira vanhu vemunyika iyoyo uye chete nekuchengetedza ruzhinji rwevanhu,vasinga tarise ganda kana kuti uri wemusangano upi.Muenzaniso ndewe CIA neFBI wakasunga maNeo-Nazi vaida kuurayaPresident-elect Obama.Masangano aya aripo kuchengetedza vanhu weAmerica kubva kumagandanga.
Zvino vedu vemuZimbabwe zvimbwasungata zveZanuPF.basa ravo nderekuchengetedza Mugabe nevakamukomberedza.vanouraya vose vanoshoropodza Zanu PF.Vanofanirwa kubviswa ndosaka Mugabe asingadi kuti Tsvangirai apuhwe bazi remapurisa.anoziva kukosha kwaro.
MaCIO ngaabviswe haana chibatsiro kuruzhinji rweZimbabwe.imhondi dzapedza kuuraya vanhu vasina mhosva.
Like or Dislike:
0
0