ABC Super Soccer Showdown yodzoka

Posted by on Aug 4th, 2008 and filed under Local News. You can follow any responses to this entry through the RSS 2.0. You can leave a response or trackback to this entry

MAKWIKWI emukombe weABC Super Soccer Showdown ari kudzokera mudariro svondo rino nemitambo miviri yemaquarter-final inenge kunhandare dziri kunze kweHarare.

Apo CAPS United ichange ichishanyira Masvingo United kunhandare yeMucheke musi weMugovera, chikwata cheHighlanders chichatambira cheLengthens kuBarbourfields musi weSvondo.

Mukuru anoona nezvechikwata cheHighlanders, Emmett Ndlovu, akati kuunzwa kwakaitwa makwikwi nekambani yaABC kuchasimudzira nhabvu muno nokuda kwemakwikwi avepo.

“Kambani yeABC yauya nenzira huru yekusimudzira nhabvu muno sezvo pave nemakwikwi akasimba.
“Nokuda kwemari yakaiswa mumakwikwi aya zvichaita kuti munhu wose ade kuita zvikuru izvo zvichasandura nhabvu yemuno.

“Zvakare kana makwikwi aya akaenderera mberi zvichaita kuti zvikwata zvirwisane kuti zvive pane zvisere zvepamusoro pelogo kuitira gore rinouya,” akadaro Ndlovu.

Leave a Reply

:D :-) :( :o 8O :? 8) :lol: :x :P :oops: :cry: :evil: :twisted: :roll: :wink: :!: :?: :idea: :arrow: :| :mrgreen:

Copyright© 2007-2009 zimbabwemetro.com All rights strictly reserved.

Disclaimer: The information on this website is provided "AS IS" with no warranties or guarantees of accuracy and confers no rights. The Metro Blogs section does not necessarily represent the thoughts, intentions, plans or strategies of the publication. It is solely the opinions of the respective authors.

Terms and Conditions | About Us | Comment Policy | Privacy
Advertise | Contact Us