Mutungamiri weMDC, uye vari mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakati zvinetswa zvose zvasarira muhurumende yemubatanidzwa, zvinenge zvagadziriswa mukati memazuva makumi matatu akatarwa neSADC Troika svondo rapera.
Vachitaura neSvondo kuChitungwiza kuvatsigiri vavo pamhemberero dzekusvitsa makore gumi bato ravo raumbwa, VaTsvangirai vakati vane chivimbo chekuti makakatanwa aripo pakati pavo naVaMugabe anenge apera.
SADC Troika yakatara mazuva gumi nemashanu ekuti mapato ari muhurumende ange agadzirisana, kukundikana, mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vanozopinda munyika voyananisa zvakare mukati memamwe mazuva gumi nemashanu.
Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti bato ravo rine chivimbo chekutizvinhu zvinenge zvagadziriswa. VaChamisa vati kana zvakasagadzirisika, vanenge votarisira kuti SADC idaidzire musangano wenyika dzose dziri musangano iri.
Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari National Director weNCA, VaErnest Mudzengi, zvakaoma kuti vati zvose zvinenge zvagadziriswa, sezvo pachitodiwa kutimapato ose atevere zvakabvumiranwa muGPA.
